Deuteronomy 14

Zvokudya Zvakachena neZvisina Kuchena

1Imi muri vana vaJehovha Mwari wenyu. Musazvicheka kana kuzviveura pamberi pomusoro muchiitira vakafa, 2nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Jehovha akakutsaurai kubva pakati pendudzi dzose dziri panyika kuti muve rudzi rwake runokosha.

3Musadya chinhu chipi zvacho chinonyangadza. 4Idzi ndidzo mhuka dzamungadya: mombe, hwai, mbudzi, 5nondo, mhara, mhembwe, ngururu, mharapara, nyati nehwai yomugomo. 6Mungadya henyu mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana kuita maviri uye inodzeya. 7Zvisinei, pane idzo dzinodzeya kana dzina mahwanda akaparadzana, mahwanda akanyatsoparadzana, hamufaniri kudya ngamera, tsuro kana mbira. Kunyange zvazvo dzichidzeya hadzina mahwanda akaparadzana; hadzina kuchena kwamuri. 8Nguruvewo haina kuchena; kunyange zvayo ina mahwanda akaparadzana, haidzeyi. Hamufaniri kudya nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo.

9Pazvipuka zvose zvinogara mumvura, mungadya henyu zvose zvine zvimbi namakwande. 10Asi chipi nechipi zvacho chisina zvimbi namakwande hamufaniri kudya; nokuti hachina kuchena.

11Mungadya henyu shiri ipi neipi yakachena. 12Asi dzamusingafaniri kudya ndeidzi: gondo, gora, gora dema, 13njerere tsvuku, njerere nhema, rukodzi namarudzi arwo, 14gunguo namarudzi aro ose, 15zizi renyanga, kazizimbori, shiri yegungwa, namarudzi ose eruvangu, 16zizi duku, zizi guru, zizi jena, 17zizi romurenje, hukurwizi nekanyururahove, 18neshuramurove namarudzi ose ekondo, nemhupupu uye nechiremwaremwa.

19Zvipuka zvose zvina mapapiro zvinokambaira hazvina kuchena kwamuri; hamufaniri kuzvidya. 20Asi zvipuka zvose zvina mapapiro zvakachena mungadya henyu.

21Musadya chii zvacho chamunoona chakafa. Mungapa zvenyu kumutorwa agere mune rimwe ramaguta enyu, uye angadya zvake kana kuti mungatengesera zvenyu kumutorwa. Asi imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu.

Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

Zvegumi

22Chenjera kuti utsaure chegumi chezvinhu zvose zvaunokohwa muminda yako gore negore. 23Udye chegumi chezviyo, newaini itsva namafuta uye nezvibereko zvokutanga zvemombe dzako nezvamakwai ako pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, kuitira kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose. 24Asi kana nzvimbo yacho iri kure uye waropafadzwa naJehovha Mwari wako, uye usingagoni kutakura chegumi chako (nokuti nzvimbo ichasarudzwa naJehovha kuti Zita rake rigarepo iri kure), 25ipapo unofanira kutsinhanisa chegumi chako nesirivha, ugotora sirivha ugoenda nayo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako. 26Shandisa sirivha yacho kutenga zvaungada, zvakadai sezvizvi: mombe, makwai, waini kana zvimwe zvokunwa zvinobata, kana chinhu chipi zvacho chaunoda. Ipapo iwe neimba yako muchadya pamberi paJehovha Mwari wenyu mugofara. 27Uye musazokanganwa vaRevhi vagere mumaguta enyu, nokuti havana mugove kana nhaka yavowo.

28Panopera makore matatu oga oga, munofanira kuuya nezvegumi zvegore iroro uye mugozvichengetera mumaguta enyu, 29kuitira kuti vaRevhi (avo vasina mugove kana nhaka yavowo) uye nomweni, nherera nechirikadzi vanogara mumaguta enyu, vauye vagodya vachiguta, uye kuitira kuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzei pamabasa ose amaoko enyu.

Copyright information for SnaBDSC